Luke 2:52 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akaramba acienda mberi pakucenjera, napakukura, napakufadza Mŋari naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, uye achidiwa naMwari uye navanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akakura muungwaru, nomumhu wake, nomukudiwa naMwari navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.
Shona 2009?
Jesu akawedzera panjere nokukura, napakudiwa naMwari navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.