Luke 20:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti ʋamupe ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga; asi ʋarimi ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemidzambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina.
Shona 2009?
nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvezvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vaka\add mu\add*dzosa asina chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina.