Luke 20:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga akati: Ndicaiteiko? Ndicatuma mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ɀimŋe ʋacamukudza iye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muridzi womunda wemidzambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.’
Shona 2009?
Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakavona iye vachamukudza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.’