Luke 20:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati aʋatarisisa, akati: Ɀino cinyiko ico cakanyorwa, cinoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti, “ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakati avatarisisa, akati, “Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?’
Shona 2009?
Asi wakavatarisa, akati: Zvino chinyiko ichi chakanyorwa, \add chinoti\add*: Ibwe rakarambwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?
Shona SUB 2002 Bible
Wakati avatarisisa, akati, “Zvino Chiiko icho chakanyorwa, chinoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?’