Luke 20:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanyori naʋaprista ʋakuru ʋakatȿaka neŋguʋa iyo kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu; nokuti ʋakaziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo uyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanyori navapristi vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti akareva ivo nomufananidzo uyo.
Shona 2009?
Zvino vaprista vakuru navanyori nenguva iyoyo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanyori navapristi vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti akareva ivo nomufananidzo uyo.