Luke 20:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiye Mosesi ʋo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti ʋakafa ʋanomutswa ɀe, paakati Ishe ndiye Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naiye Mosesiwo akaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati, ‘Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.’
Shona 2009?
Asi kuti vakafa vanomutswazve, kunyange Mozisivo wakaratidza pagwenzi, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
Shona SUB 2002 Bible
Naiye Mosesiwo akaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati, ‘Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.’