Luke 20:46 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nougaro hwapamberi pamitambo;
Shona 2009?
Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachida kukwaziswa pamisika, nezvigaro zvapamusorosa mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamabiko;
Shona SUB 2002 Bible
“Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nougaro hwapamberi pamitambo;