Luke 20:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakataŋga kuʋudza ʋanhu mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga; akaupa ʋarimi, akandogara kumŋe ŋguʋa refu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa; akaupa varimi; akandogara kumwe nguva refu.
Shona 2009?
Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu: Mumwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika nguva refu;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga asima munda wemizambiringa; akaupa varimi; akandogara kumwe nguva refu.