Luke 21:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika kucaʋa’po, nokunedzimŋe nɀimbo nzara nehosha, neɀinotyisa, ʋuye ɀiratidzo ɀikuru, ɀicabva kuɗeŋga, ɀicaʋa’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuchava nokudengenyeka kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya — siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.
Shona 2009?
Uye kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo kunzvimbo dzakasiyana siyana, nenzara nehosha, nezvinotyisa kuvona, uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
Shona SUB 2002 Bible
Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.