Luke 21:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu.
Shona 2009?
Asi mberi kwaizvozvi zvose, vachakubatai, nokutambudza, vachi\add ku\add*kumikidzai kumasinagoge nomumatirongo, muchiiswa pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu.