Luke 21:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
Shona 2009?
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonekamwa kupikiswa kana kurambwa navavengi venyu vose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.