Luke 21:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanun'una, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa.
Shona 2009?
Muchatengeswa kunyange navabereki, navana vamai venyu, nehama, neshamwari, \add vamwe\add* venyu vachavurawa.
Shona SUB 2002 Bible
Muchaiswa kuvatongi kunyangwe navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurayiwa.