Luke 21:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana muciʋona Jerusarema rakombga nehondo, ziʋai kuti roɗokuparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana moona Jerusaremu yakomberedzwa nehondo. Ibvai maziva kuti kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Vanenge vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Vanenge vari muguta ngavabvemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana muchiona Jerusaremu rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa.
Shona 2009?
Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana muchiona Jerusaremu rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa.