Luke 21:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti aʋo ʋose ʋakaisa paɀipo, ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo, asi uyu wakaisa, acitora pakushaiwa kwake, ɀaaifanira kurarama naɀo, ɀose ɀaakaŋga anaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iyo nourombo hwayo, yaisa zvose zvainorarama nazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti avo vose vakaisa zvipo, vachitora pazvizhinji zvavanazvo, asi uyu akaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaayifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.”
Shona 2009?
nokuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pazvizhinji zvavo, asi iye, pakushaiwa kwake, wakanda chose chaaiva nacho chaaifanira kurarama \add nacho\add*.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti avo vose vakaisa zvipo, vachitora pazvizhinji zvavainazvo, asi uyu akaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.”