Luke 22:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asinamunondo, ngaatengese nguo yake, autenge.
Shona 2009?
Zvino akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaatore, saizvozvovo unehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake atenge munondo.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asina munondo, ngaatengese nguo yake, autenge.