Luke 22:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurayiro;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.”
Shona 2009?
Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvinofanira kuzadziswa kwandiri, \add zvinoti\add*: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvine mugumo.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurairo;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.”