Luke 22:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
Shona 2009?
Wakati achataura, tarira, chaunga naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira, akaswedera kunaJesu, kuti amusvete.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.