Luke 22:51 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa.
Shona 2009?
Jesu akapindura akati: Regai zvisvike ipapo. Akabata nzeve yake, akamuporesa.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa.