Luke 22:52 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here?
Shona 2009?
Zvino Jesu akati kuvaprista vakuru namachinda etembere, navakuru vakanga vavuya kwaari: Mabuda neminondo netsvimbo semunorwisa gororo here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here?