Luke 23:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaʋari: Maʋuya kwandiri nomunhu uyu, muciti: Unotsausa ʋanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhoȿa yeɀinhu ɀamunomupomera naɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati kwavari, “Maunza munhu uyu kwandiri somunhu anga achipandutsa vanhu asi pandamuongorora pamberi penyu, handina kuwana munhu uyu aine mhosva dzamurikumupomera
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwavari, “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti, anotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;
Shona 2009?
akati kwavari: Mavuya nomunhu uyu kwandiri sounotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndabvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana mumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera;
Shona SUB 2002 Bible
akati kwavari, “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti, anotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;