Luke 23:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari rwecitatu: Uyu wakagotadzeiko? Handina‐kuwana mhoȿa yorufu kwaari. Naiɀoɀo ndicamuroʋa, ndigomusunuŋgura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rwechitatu akati kwavari, “Nemhaka yei? Atadzei? Handina kuwana maari mhosva inokodzera kufa. Naizvozvo ndichamurova chaizvo ndigomurega aende zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari rwechitatu, “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari.”
Shona 2009?
Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, waita chakaipa chipiko? Handina kuwana mhosva yorufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigo\add mu\add*sunungura.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari rwechitatu, “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari.”