Luke 23:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaʋasunuŋgurira uyo waʋakakumbira, wakaŋga asuŋgwa mutoroŋgo nemhaka yeɓope neyokuʋuraya; akaʋapa Jesu ʋaite nokuɗa kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akasunungura murume uya wavakanga vakumbira akanga aiswa mujeri nokuda kwenyonganyonga nokuuraya munhu; asi akaisa Jesu mumaoko avo kuti vaite zvavanoda naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akavasunungurira uyo wavakakumbira, akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo.
Shona 2009?
akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga akandwa mutirongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akakumikidza Jesu kuzvodo zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
akavasunungurira uyo wavakakumbira, akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo.