Luke 23:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋacienda naye, ʋakaɓata mumŋe, wainzi Simoni weKurini, acibva kuruwa, ʋakaisa mucinjikwa pamsoro pake, kuti autakure shure kwaJesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvavakanga vachimutungamidza, vakabata Simoni wekuKurini aibva kuruwa vakamutakudza muchinjikwa uya mumashure maJesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu.
Shona 2009?
Zvino vakati vachienda naye, vakabata mumwe, \add wainzi\add* Simoni muKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti atakure shure kwaJesu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu.