Luke 23:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akateʋerwa naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, naʋakadzi ʋaimuririra nokumucema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akateverwa negurusvusvu ravanhu namadzimai vachiridza mhere vachimuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.
Shona 2009?
Akateverwa nechaunga chikuru, navakadzi vaimuririravo nokumuchema.
Shona SUB 2002 Bible
Akateverwa navanhu vazhinji zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.