Luke 23:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pirato akamubvunza, akati: Ko uri Mambo waʋaJuda here? Akamupindura, akati: Ndiɀo ɀamareʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Iye akamupindura achiti, “Inga matozvireva kare wani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pirato akamubvunza, akati, “Ko uri Mambo wavaJudha here?” Akamupindura, akati, “Ndizvo zvamareva.”
Shona 2009?
Ipapo Pirato akamubvunza achiti: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Unoreva iwe.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pirato akamubvunza, akati, “Ko uri Mambo wavaJudha here?” Akamupindura, akati, “Ndizvo zvamareva.”