Luke 23:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwakaŋga kunaʋamŋe ʋatadzi ʋaʋiri ʋo, ʋaʋakaenda naʋo pamŋe cete naye kundoʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa.
Shona 2009?
Zvino kwakanga kuna vamwe vaiti vezvakaipa vavirivo, kuti vavurawe pamwe chete naye.
Shona SUB 2002 Bible
Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourayiwa.