Luke 23:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
Shona 2009?
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamurovera navaiti vezvakaipa mumwe kuruoko rworudyi nomumwe kuruboshwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.