Luke 23:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
Shona 2009?
Ipapo Jesu akati: Baba, vakangamwirei, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.