Luke 23:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋakamira, ʋacitarira; naʋaɓati ʋakamuseka ʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; ŋgaaɀiponese, kana ari Kristu waMŋari, Musanaŋgurwa wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.”
Shona 2009?
Vanhu vakamira, vakatarira. Navatongivo pamwechete navo vaka\add mu\add*sweveredza, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu, musanangurwa waMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.”