Luke 23:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe waʋatadzi ʋakaŋga ʋakaturikwa, wakamutuka, aciti: Hauzi Kristu here? Uɀiponese, nesu ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mupari wedzimosva akanga akarembedzwa akamushonha achiti, “Hausiwe Mesia here? Zviponeseka utiponesewo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.”
Shona 2009?
Zvino mumwe wavaiti vezvakaipa vakanga vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana uri Kristu, zviponese iwe nesu.
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuwo.”