Luke 23:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Ƃaɓa, ndinoisa mŋeya waŋgu pamaʋoko enyu! Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗisa mŋeya wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akadaidzira nezwi guru akati, “Baba ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Apedza kutaura kudaro akabva afa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru, akati: Baba, mumavoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvo, akapa mweya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.