Luke 23:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakanyanya, ʋaciti: Unomutsa ʋanhu, acidzidzisa muJudea rose, acitaŋga paGarirea kuȿikira pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatobva vasimbisisa kuti, “Anomutsa nyonganyonga muvanhu, achidzidzisa muJudhea yose kubvira kuGarirea kusvikira kuno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakanyanya, vachiti, “Anomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGariria kusvikira pano.”
Shona 2009?
Ivo vakanyanya kusimbisa, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, achitanga paGariri kusvikira pano.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakanyanya, vachiti, “Anomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, achitanga paGareriya kusvikira pano.”