Luke 23:50 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe, wainzi Josefa, mumŋe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwaiva nomumwe murume ainzi Josefi aibva kuguta ravaJudha reArimatia aiva nhengo yedare guru uye ari munhu akanaka akarurama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakanga kuno mumwe munhu, ainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume akanaka akarurama,
Shona 2009?
Zvino tarira, murume wainzi Josefa, gurukota, murume wakanaka wakarurama;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakanga kuno mumwe munhu, ainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume akanaka akarurama,