Luke 23:55 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋakadzi ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacibva Garirea, ʋakaʋateʋera, ʋakaʋona bgiro, nomuisirwe womutumbu wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vakadzi vakanga vauya naye vachibva kuGarirea vakatevera vakaona guva racho uye kuti chitunha chakanga charadzikwa sei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navakadzi vakanga vauya naye, vachibva Gariria, vakavatevera, vakaona bwiro, nomuisirwo womutumbi wake.
Shona 2009?
Navakadzivo, vakanga vavuya naye vachibva Gariri, vakatevera mumashure, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbi wake.
Shona SUB 2002 Bible
Navakadzi vakanga vauya naye, vachibva Gareriya, vakavatevera, vakaona hwiro, nomuisirwo womutumbi wake.