Luke 23:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati anzwa kuti unobva kunyika yakaɓatwa naHerode, akamutumira kunaHerode, nokuti wakaŋga ari muJerusarema amene pamazuʋa iwayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaziva kuti ndowekudunhu raHerodhi akamutumira kuna Herodhi akanga ari muJerusaremu panguva iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati anzwa kuti anobva kunyika yakatongwa naHerodhi, akamutumira kuna Herodhi, nokuti akanga ari muJerusaremu pamazuva iwayo.
Shona 2009?
Akangoti anzwa kuti ndoweushe bwaHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, iye wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.
Shona SUB 2002 Bible
Akati anzwa kuti anobva kunyika yakatongwa naHerodhi, akamutumira kuna Herodhi, nokuti akanga ari muJerusaremu pamazuva iwayo.