Luke 23:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Herode wakafara kwaɀo‐kwaɀo aciʋona Jesu; nokuti waiɗa kumuʋona kare, ɀaakaŋga anzwa ɀake; akafuŋga kuti ucaʋona cimŋe ciratidzo ciŋgaitwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Herodhi paakaona Jesu akafara kwazvo nokuti kwenguva ndefu aidisisa kumuona nokuti akanga anzwa nezvake uye akanga achitarisira kuona chimwe chiratidzo chaiitwa naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Herodhi akafara kwazvokwazvo achiona Jesu; nokuti aida kumuona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti achaona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
Shona 2009?
Zvino Herodhe wakati achivona Jesu akafara kwazvo-kwazvo; nokuti waishuva kumuvona kwe\add nguva\add* refu, nokuti wakanga anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; akatarisira kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Herodhi akafara kwazvo–kwazvo achiona Jesu; nokuti aida kumuona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti achaona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.