Luke 24:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaiʋa Maria Magdarene naJohana naMaria, mai ʋaJakobo, naʋamŋe ʋakadzi ʋaiʋa naʋo, ʋakandoʋudza ʋaapostora iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo.
Shona 2009?
Vaiva Maria Magadarene naJohwana naMaria \add mai\add* vaJakobho, navamwe vavaiva navo, vakandovudza vapositora izvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo.