Luke 24:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Petro akasimuka, akamhanyira kubgiro; akakotama, akaʋona miceka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa neɀakaŋga ɀaitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.]
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.
Shona 2009?
Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akadongorera akakotama, akavona micheka yerineni yakaradzikwa yoga; ndokudzoka, ashamiswa nezvakanga zvaitika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kuhwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.