Luke 24:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Mashoko amunotaurirana pamsoro pawo mucifamba, ndeeiko? Ʋakamira ʋaneshuŋgu pamŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Ko chii chamuri kutaurirana muchifamba kudai?” Vakamira kuti mbikiti vakati surududu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?” Vakamira vane shungu pamwoyo.
Shona 2009?
Akati kwavari: Inhauriano dzeiko idzi dzamunadzo pakati penyu muchifamba makatsamwa?
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?” Vakamira vane shungu pamwoyo.