Luke 24:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe waʋo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema so mutorwa, usiŋgaziʋi ɀakaitwa’mo mazuʋa ano here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe wavo, wainzi Kiropasi, akapindura, akati kwaari, “Ko ndiwe woga ugere muJerusaremu somutorwa, asingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?”
Shona 2009?
Mumwe wavo, zita rake rainzi Kiriyopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga mutorwa muJerusarema, usati aziva zvakaitikamo mazuva ano here?
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe wavo, wainzi Kiropasi, akapindura, akati kwaari, “Ko ndiwe woga ugere muJerusaremu somutorwa, asingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?”