Luke 24:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ɀinyiko? Ʋakati kwaari: ⱿaJesu weNazareta, waiʋa muprofita unesimba paɓasa napashoko pamberi paMŋari napaʋanhu ʋose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Zvinyiko?” Vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareta, aiva muporofita ane simba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
Shona 2009?
Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: Maererano naJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Zvinyiko?” Vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareta, aiva muporofita ane simba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;