Luke 24:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamugombedzera, ʋaciti: Garai nesu, nokuti aʋa maɗekwana, zuʋa raʋira. Ipapo akapinda kundogara naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo.
Shona 2009?
Asi vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva raenda. Ipapo akapinda kundogara navo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo.