Luke 24:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati agara naʋo pakudya, akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika agere navo pakudya, akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.