Luke 24:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ndiwo mashoko aŋgu, andakakuʋudzai ndiciri nemi, kuti ɀose ɀakanyorwa pamsoro paŋgu pamurairo waMosesi, napaʋaprofita, napaMapisarema, ɀinofanira kuitika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurayiro waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.”
Shona 2009?
Akati kwavari: Awa mashoko andakakuvudzai ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, \add na\add*pavaporofita napaMapisarema pamusoro pangu.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.”