Luke 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapindura, akati kwaʋari: Uneŋguʋo mbiri ŋgaagoʋane nousina; nouneɀokudya ŋgaaite saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye naane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavapindura achivati, “Ane hanzu mbiri ngaagoveranewo naasina, naane zvokudya ngaaitewo zvimwechetezvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati kwavari, “Anenguo mbiri ngaagovane noasina; noane zvokudya ngaaite saizvozvo.”
Shona 2009?
Akapindura akati kwavari: Une nguvo mbiri, ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Akapindura, akati kwavari, “Ane nguo mbiri ngaagovane noasina; noane zvokudya ngaaite saizvozvo.”