Luke 3:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋarwi ʋo ʋakamubvunza, ʋaciti: Nesu ʋo toɗiniko? Akati kwaʋari: Musatorera munhu cinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomuɓairo wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Masoja akamubvunza achiti, “Ko isu, toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musatore zviro zvavanhu muchiita zvokupamba kana nokuvarevera nhema asi gutsikanai nemibayiro yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navarwiwo vakamubvunza, vachiti, “Nesuo todiniko?” Akati kwavari, “Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubayiro wenyu.”
Shona 2009?
Navarwivo vakamubvunza, vachiti: Ko isu todiniko? Akati kwavari: Musatyityidzira munhu kana kupomera munhu nhema; uye migutsikane nemubairo wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Navarwiwo vakamubvunza, vachiti, “Nesuwo todiniko?” Akati kwavari, “Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubairo wenyu.”