Luke 3:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Johane akapindura, akati kunaʋose: Ini ndinokubapatidzai nemvura, asi uyu unoʋuya, unesimba kupfuʋureni, wandisina‐kufanira kusunuŋgura rukanda rweshaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura, ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Johani akavapindura vose achiti; “Hongu, ini ndinokuombekai nemvura, asi ane simba kupfuura ini ari kuuya. Ini handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake. Iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Johani akapindura, akati kuna vose, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyo anouya, ane simba kupfuureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Shona 2009?
Johwani akapindura achiti kunavose: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi mumwe unesimba kupfuvureni unovuya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya mutsvene nomoto
Shona SUB 2002 Bible
Johani akapindura, akati kuna vose, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyo anouya, ane simba kupfuureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.