Luke 3:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya Mutȿene akaɓurukira pamsoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiʋa, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, unoɗikanwa; ndinokufarira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya Mutsvene, aine muviri unenge wenjiva, akaburukira paari; izwi ndokubva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo ndiwe unondifadza zvikuru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.”
Shona 2009?
Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nechimiro chomuviri sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikamwa; wandinofadzwa naye kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.”