Luke 3:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye Jesu wakaŋga anamakore aneŋge makumi matatu, ŋguʋa yaakataŋga kudzidzisa, ari, pakufuŋga kwaʋanhu, mŋanakomana waJosefa, mŋanakomana waHeri,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Akanga ari mwanakomana, sokuonekwa kwazvo, waJosefa, mwanakomana waHeri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino, iye Jesu panguva yaakatanga kuita basa rake akanga ana makore makumi matatu. Pakufunga kwavanhu vaiti mwanakomana waJosefi, mwanakomana waHeri,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye Jesu akanga ana makore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,
Shona 2009?
Zvino iye Jesu wakanga achitanga kusvika makore anenge makumi matatu, ari sezvaifungidzirwa, mwanakomana waJosefa, wakanga ari waHeri,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye Jesu akanga ana makore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,