Luke 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo wakati kuʋazhinji ʋaiʋuya kuzobapatidzwa naye: Imi ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo akati kuhuzhinji hwavanhu vaiuya kwaari kuzoombekwa naye, “Imi vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize chirango chirikuuya?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akati kuvazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya?
Shona 2009?
Naizvozvo wakati kuchaunga chaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Vana venyoka, ndianiko wakakuyambirai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo akati kuvazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya?